Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 8:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia uye vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia.

2. Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chetatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero.

3. Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezari mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi.

4. Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro.

5. Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo.

6. Akaisa mapoka avarwi munyika yava Arame yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 8