Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 3:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba.

2. Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri;

3. wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhisaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;

4. wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari;

5. uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira. Ava ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.

6. Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro.

7. Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?”

8. Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu!

9. Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha

10. nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.”

11. Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya.

12. Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”

13. Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.”

14. Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.”

15. Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi.

16. Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake.

17. Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.

18. Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’ ”

19. Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 3