Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 21:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati.

9. Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari.

10. Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku.

11. Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro,

12. akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa.

13. Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa.

14. Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZara muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika.

15. Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo.

16. Uye Ishi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeria uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi.

17. Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.”

18. Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa.

19. Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki.

20. Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa.

21. Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munun'una waDhavhidhi, akamuuraya.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 21