Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 15:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake.

2. Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.”

3. Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.”

4. Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.”

5. Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda.

6. Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.

7. Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha.

8. Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’ ”

9. Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.

10. Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.

11. Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa.

12. Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoperi muGironi, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.

13. Nhume yakauya uye ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”

14. Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 15