Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 14:23-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Saka Joabhu akaenda kuGeshuri akandouya naAbhusaromu kuJerusarema.

24. Asi mambo akati, “Anofanira kuenda kuimba yake; haafaniri kuona chiso changu.” Saka Abhusaromu akaenda kumba kwake akasaona chiso chamambo.

25. MuIsraeri mose makanga musina murume airumbidzwa navanhu nokuda kworunako rwake saAbhusaromu. Kubva kumusoro wake kusvikira kutsoka dzake pakanga pasina panonzi apa pakaipa.

26. Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremo hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviria kana zvichierwa nechiereso chamambo.

27. Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe chete. Zita romwanasikana rainzi Tamari, uye akanga ari mukadzi akanaka pachiso.

28. Abhusaromu akagara kwamakore maviri muJerusarema asina kumboona chiso chamambo.

29. Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu kuti amutume kuna mambo, asi akaramba kuenda kwaari. Saka akatumazve shoko kechipiri, asi akaramba kuuya.

30. Ipapo akati kumuranda wake, “Onaka, munda waJoabhu wakaganhurana nowangu, uye ane bhari imomo. Enda unopisa.” Naizvozvo varanda vaAbhusaromu vakapisa munda.

31. Ipapo Joabhu akaenda kumba kwaAbhusaromu akandoti kwaari, “Ko, varanda vako vapisirei munda wangu?”

32. Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira ndatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri?”’ Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu! Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.”

33. Saka Joabhu akaenda kuna mambo akandotaura saizvozvo. Ipapo mambo akadana Abhusaromu, uye akauya akasvikokotamisa uso hwake pasi pamberi pamambo. Uye Mambo akatsvoda Abhusaromu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 14