Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 10:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo.

2. Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake.Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni,

3. machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurishora kuti vagoriparadza?”

4. Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga.

5. Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.”

6. Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi.

7. Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi.

8. VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani.

9. Joabhu akaoona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu.

10. Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni.

11. Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 10