Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 1:9-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’

10. “Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”

11. Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura.

12. Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.

13. Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?” Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.”

14. Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?”

15. Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa.

16. Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ”

17. Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani,

18. uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):

19. “Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei!

20. “Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera.

21. “Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta.

22. Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 1