Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 6:15-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; nomuromo wenyu makavimbisa uye noruoko rwenyu makazadzisa sezvazvakaita nhasi.

16. “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’

17. Uye zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itai kuti shoko renyu ramakavambisa muranda wenyu Dhavhidhi rive rechokwadi.

18. “Asi zvechokwadi Mwari angagare panyika navanhu here? Hamungakwani mumatenga kunyange matenga okumusoro-soro, ko, kuzoti temberi yandavaka!

19. Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu.

20. Meso enyu ngaatarire kutemberi iyi masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakati muchaisa Zita renyumo. Inzwai munyengetero womuranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.

21. Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere.

22. “Kana munhu akatadzira muvakidzani wake uye kana akanzi aite mhiko uye kana akauya akazopika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,

23. ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.

24. “Kana vanhu venyu Israeri vakakundwa nomuvengi nokuti vakakutadzirai uye kana vakatendeuka vakapupura zita renyu, vachinyengetera uye vachikumbira pamberi penyu mutemberi muno,

25. ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo.

26. “Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa,

27. ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka.

28. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunji, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya,

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 6