Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 5:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha pavakaita sungano neIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.

11. Ipapo vaprista vakabuda kubva muNzvimbo Tsvene. Vaprista vose vakanga varipo vakanga vazvinatsa zvisinei kuti vaiva vamapoka api.

12. VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda.

13. Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza nokuvonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore,

14. uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 5