VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda.