Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 30:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.

2. Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri.

3. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema.

4. Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose.

5. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.

6. Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria.

7. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona.

8. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri.

9. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”

10. Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka.

11. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema.

12. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.

13. Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri.

14. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.

15. Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha.

16. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi.

17. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 30