Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 8:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvino mambo akanga achitaurirana naGehazi, muranda womunhu waMwari, uye akanga ati kwaari, “Nditaurirewo pamusoro pezvinhu zvikuru zvose zvakaitwa naErisha.”

5. Gehazi achiri kutaurira mambo kuti Erisha akanga araramisa sei mukomana akanga afa, mukadzi aiva nomwanakomana akanga araramiswa naErisha akabva asvika kuti azokumbira imba yake nomunda wake kuna mambo. Gehazi akati, “Uyu ndiye mukadzi wacho, ishe wangu mambo, uye uyu ndiye mwanakomana wake akararamiswa naErisha.”

6. Zvino mambo akabvunza mukadzi pamusoro paizvozvo, iye akamutaurira. Ipapo akatuma mubati kuti aone nezvenyaya yomukadzi uyu akati, “Mudzorerei zvake zvose pamwe nezvibereko zvinobva pamunda wake kubvira pazuva raakabva munyika ino kusvikira zvino.”

7. Erisha akaenda kuDhamasiko uye Bhenihadhadhi mambo wavaAramu airwara. Mambo akati audzwa kuti, “Munhu waMwari asvika kuno,”

8. iye akati kuna Hazaeri, “Tora chipo uende nacho unosangana nomunhu waMwari. Undibvunzirewo Jehovha kubudikidza naye; umubvunze kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ”

9. Hazaeri akaenda kundosangana naErisha, akamuvigira chipo chezvipfeko zvose zvakanga zvakanaka kwazvo zveDhamasiko zvaitakurwa namakumi mana engamera. Akapinda mumba akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi mambo wavaAramu andituma kuti ndizobvunza kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ”

10. Erisha akapindura akati, “Enda unoti kwaari, Zvirokwazvo muchapora, asi Jehovha akandiratidza kuti vachafa zvirokwazvo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 8