Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 4:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Erisha akabvunza akati, “Angaitirwe chiiko?” Gehazi akati, “Zvirokwazvo, haana mwanakomana uye murume wake akwegura.”

15. Ipapo Erisha akati, “Mudane.” Naizvozvo akamudana, mukadzi akamira pamukova.

16. Erisha akati, “Nenguva inenge ino gore rinouya, uchafungatira mwanakomana mumaoko ako.” Iye akati, “Kwete, ishe wangu. Haiwa munhu waMwari, musarevera nhema murandakadzi wenyu!”

17. Asi mukadzi akava nemimba, uye gore raitevera nenguva yakare iyoyo akapona mwanakomana, sezvaakanga audzwa naErisha.

18. Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi.

19. Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.”

20. Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa.

21. Vakakwira pamusoro naye vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, ndokupfiga mukova ndokubuda.

22. Mukadzi akadana murume wake akati, “Ndapota, ndidanire mumwe wavaranda nembongoro kuti ndiende kumunhu waMwari nokukurumidza ndigodzoka.”

23. Iye akamubvunza akati, “Uri kuendereiko kwaari nhasi? Hakusi Kugara kwoMwedzi kana Sabata.” Akapindura akati, “Hazvina mhosva.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 4