Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 30:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa,

2. uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo.

3. Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa.

4. Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema.

5. Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.

6. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.

7. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirevo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari,

8. ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”

9. Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 30