Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 22:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dhavhidhi akabva kuGati akatizira kubako reAdhuramu. Hama dzake uye neveimba yababa vake vakazvinzwa, vakaburuka vakaenda ikoko kwaakanga ari.

2. Vose vaitambudzika kana kuti vaiva nezvikwereti, kana vainyunyuta vakaungana kwaari uye akava mutungamiri wavo. Varume vanenge mazana mana vakanga vanaye.

3. Kubva ipapo Dhavhidhi akaenda kuMizipa muMoabhu akati kuna mambo weMoabhu, “Ungatendera here baba vangu namai vangu kuti vauye kuzogara newe kusvikira ndaziva zvandichaitirwa naMwari?”

4. Saka akavasiya kuna mambo weMoabhu, ivo vakagara naye nguva yose yakagara Dhavhidhi munhare.

5. Asi muprofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi, “Usagara munhare. Enda munyika yeJudha.” Saka Dhavhidhi akabva akaenda kusango reHereti.

6. Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro, akabata pfumo muruoko rwake, akanga akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza.

7. Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 22