Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 19:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?”

6. Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.”

7. Saka Jonatani akadana Dhavhidhi akamuudza zvose zvavakanga vataurirana. Akauya naye kuna Sauro, uye Dhavhidhi akava naSauro.

8. Hondo yakavapozve, Dhavhidhi akabuda akaenda akandorwa navaFiristia. Akavauraya nokuuraya kukuru zvokuti vakatiza pamberi pake.

9. Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira,

10. Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka.

11. Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.”

12. Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza uye akapunyuka.

13. Ipapo Mikari akatora chidhori akachivanzarika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho.

14. Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.”

15. Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.”

16. Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi.

17. Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?” Mikari akamuudza akati, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 19