Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 10:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.”Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”

25. Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.

26. Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari.

27. Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 10