Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 10:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.

17. Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa

18. akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri, ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’

19. Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”

20. Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.

21. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, imba neimba, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.

22. Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?”Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”

23. Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro.

24. Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.”Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”

25. Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 10