Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 9:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. VaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua;

8. Ibhineya mwanakomana waJerohami; Era mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya.

9. Vanhu vorudzi rwaBhenjamini sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo, vaisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu navatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vemhuri.

10. Vaprista: Jedhaya, naJehoyaribhi naJakini;

11. Azaria mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mubati mukuru muimba yaMwari.

12. Adhaya mwanakomana waJerohami, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikia, naMaasai mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJahazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waIma.

13. Vaprista, vaiva vakuru vemhuri, vaisvika chiuru namazana manomwe namakumi matanhatu. Vose vaiva varume vaikwanisa uye vaibata basa rokushumira muimba yaMwari.

14. VaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, muMerari;

15. Bhakibhaka, Hereshi, Garari naMatania mwanakomana waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi;

16. Obhadhia mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni; naBherekia mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vaigara mumisha yavaNetofati.

17. Vatariri vamasuo: Sharumi, Akubhi, Tarimoni, Ahimani navanun'una vavo, Sharumi ari mukuru wavo,

18. vakaiswa paSuo raMambo kumabvazuva, kusvikira nanhasi. Ava ndivo vaiva vatariri vamasuwo, okumusasa wavaRevhi.

19. Sharumi mwanakomana waKore mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora navamwe vatariri vamasuo vokumhuri yake, vaKora, vaiva nebasa rokuchengetedza mikova yeTende sezvaingoitwa namadzibaba avo vakanga vane basa rokurinda suo rokupinda kuugaro hwaJehovha.

20. Panguva dzapakutanga Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye aiva mukuru wavatariri vamasuo, uye Jehovha aiva naye.

21. Zekaria mwanakomana waMesheremia aiva mutariri wesuo pamukova weTende Rokusangana.

22. Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 9