Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 7:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanud iine upamhi hwamakubhiti makumi matatue. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.

7. Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro.

8. Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.

9. Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati.

10. Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumif, mamwe makubhiti masereg.

11. Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari.

12. Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo.

13. Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire.

14. Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa.

15. Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasereh, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namavirii pakuyera.

16. Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanuj pakukwirira kwawo.

17. Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 7