Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 6:23-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumil, munzvimbo tsvene yomukati.

24. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro.

25. Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.

26. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.

27. Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.

28. Akafukidza makerubhi negoridhe.

29. Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.

30. Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.

31. Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.

32. Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwi negoridhe rakarohwa.

33. Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.

34. Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 6