Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Soromoni anovaka Temberi

1. Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha.

2. Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatua, ina makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo kumusoro.

3. Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi mavirid uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumie.

4. Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki.

5. Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi.

6. Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanuf, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatug uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomweh. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.

7. Pakuvaka madziro etemberi mabwe akanga avezwa chete ndiwo akashandiswa, uye hapana kunzwikwa kurira kwesando kana mbezo kana mumwe mudziyo patemberi payakanga ichivakwa.

8. Musuo weimba yapakati waiva kuchamhembe kwetemberi, paiva namatanho aienda kuimba yapakati, achizobva kuimba yapakati achienda kune yechitatu.

9. Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.

10. Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.

11. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti,

12. “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.

13. Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”

14. Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.

15. Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.

16. Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi mavirii, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, nzvimbo Tsvene-tsvene.

17. Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi manaj.

18. Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.

19. Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha.

20. Mukati menzvimbo tsvene yomukati makanga makareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo makubhiti makumi mavirik, uye makareba makubhiti makumi maviri pakukwirira kwamo mudenga. Akafukidza mukati mose negoridhe rakaisvonaka uye, akafukidzawo aritari namapuranga omusidhari.

21. Soromoni akafukidza mukati metemberi yose negoridhe rakaisvonaka, uye akaisa ngetani dzegoridhe dzakachinjika pamberi penzvimbo tsvene yomukati, iyo yakanga yakafukidzwa mukati mose negoridhe.

22. Saka akafukidza mukati mose negoridhe. Akafukidzawo aritari yenzvimbo tsvene yomukati negoridhe.

23. Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumil, munzvimbo tsvene yomukati.

24. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu, uye rimwe bapiro rakanga rakareba makubhiti mashanu, makubhiti gumi kubva pamuromo perimwe bapiro kusvika pamuromo perimwe bapiro.

25. Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.

26. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.

27. Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.

28. Akafukidza makerubhi negoridhe.

29. Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.

30. Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.

31. Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.

32. Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwi negoridhe rakarohwa.

33. Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.

34. Akaitawo makonhi maviri omuti womusipuresi, mapenga maviri egonhi rimwe aigona kupetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhi aigona kupetwa.

35. Akaveza makerubhi, miti yemichindwi namaruva akazaruka paari, akazvifukidza negoridhe rakarohwa zvakaenzanirana pamusoro pezvakavezwa.

36. Uye akavaka chivanze chomukati chine hwaro hutatu hwamatombo akavezwa, nehwaro humwe chete hwamatanda omusidhari.

37. Hwaro hwetemberi yaJehovha hwakavakwa mugore rechina, mumwedzi waZivhi.

38. Mugore regumi nerimwe mumwedzi waBhuri, mwedzi worusere, temberi yakapera kuvakwa yose sezvayakanga yakafanira kuitwa. Akapedza makore manomwe achiivaka.