Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 21:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria.

2. Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.”

3. Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.”

4. Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubheda wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya.

5. Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?”

6. Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ”

7. Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.”

8. Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti.

9. Mumatsamba aya akanyora akati:“Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.

10. Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.”

11. Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera.

12. Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.

13. Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa.

14. Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 21