Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 20:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Bheni-hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.

2. Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-hadhadhi,

3. ‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’ ”

4. Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.”

5. Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako.

6. Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’ ”

7. Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 20