Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 18:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.”

2. Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu.Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria,

3. uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo.

4. Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.)

5. Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namahesera kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.”

6. Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi.

7. Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, uye akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?”

8. Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’ ”

9. Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa?

10. Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai.

11. Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’

12. Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu.

13. Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura.

14. Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 18