Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 17:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazovi nedova kana mvura inonaya mumakore ano kunze kwokutenge ndareva ini.”

2. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti,

3. “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani.

4. Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguwo kuti akupe zvokudya ikoko.”

5. Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako.

6. Makunguwo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova.

7. Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.

8. Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti,

9. “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.”

10. Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”

11. Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.”

12. Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushomashoma muhari namafuta mashomashoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 17