Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 16:20-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?

21. Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri.

22. Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo.

23. Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza.

24. Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviria esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.

25. Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira.

26. Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.

27. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

28. Omuri akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

29. Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri.

30. Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira.

31. Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.

32. Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria.

33. Ahabhu akagadzirawo danda raAshera uye akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.

34. Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 16