Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 15:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Abhija akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.

9. Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri. Asa akava mambo weJudha,

10. uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake raiva Maaka, mwanasikana waAbhisharomu.

11. Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.

12. Akabvisa varume vaizviita zvipfeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

13. Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi.

14. Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose.

15. Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake.

16. Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga.

17. Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.

18. Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bhenihadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 15