Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Abhija Mambo weJudha

1. Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha.

2. Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu.

3. Iye akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi.

4. Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema.

5. Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti.

6. Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija.

7. Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo.

8. Abhija akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.

Asa Mambo weJudha

9. Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri. Asa akava mambo weJudha,

10. uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake raiva Maaka, mwanasikana waAbhisharomu.

11. Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.

12. Akabvisa varume vaizviita zvipfeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

13. Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi.

14. Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose.

15. Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake.

16. Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga.

17. Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.

18. Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bhenihadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.

19. Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.”

20. Bheni-hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari.

21. Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza.

22. Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo.

23. Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere.

24. Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo.

Nadhabhi Mambo weIsraeri

25. Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri.

26. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite.

27. Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose.

28. Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo.

29. Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro,

30. nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe.

31. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

32. Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo.

Bhaasha Mambo weIsraeri

33. Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana.

34. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.