Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 13:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.

9. Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ”

10. Saka akaenda neimwe nzira uye haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.

11. Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.

12. Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha.

13. Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva.

14. Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?”Akapindura akati, “Ndini.”

15. Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”

16. Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino.

17. Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 13