Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 19:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokuunga kwomutinhiro, richiti:“Hareruya!Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.

7. Ngatifarei uye tifarisiseuye timurumbidze!Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,uye mwenga waro azvigadzirira.

8. Akapiwa mucheka wakachena,wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.

9. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”

10. Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”

11. Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.

12. Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazikanwi nomunhu asi naiye oga.

13. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari.

14. Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina.

15. Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose.

16. Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa:MAMBO WAMADZIMAMBONAISHE WAMADZISHE

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 19