Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 14:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.

11. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”

12. Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachiramba vakatendeka kuna Jesu.

13. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.”“Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”

14. Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.

15. Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi uye akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti goho renyika raibva.”

16. Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, uye nyika ikakohwewa.

17. Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza.

18. Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”

19. Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo uye akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari.

20. Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 14