Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 13:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,muutapwa achapinda hake.Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,nomunondo achaurayiwa hake.Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.

11. Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.

12. Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.

13. Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.

14. Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.

15. Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.

16. Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo,

17. kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.

18. Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 13