Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 12:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.

14. Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.

15. Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.

16. Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo uye ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 12