Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 11:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya.

8. Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjiipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.

9. Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.

10. Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.

11. Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukabata avo vakavaona.

12. Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.

13. Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikawondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo uye vakarumbidza Mwari wokudenga.

14. Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.

15. Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, uye kudenga kukava namanzwi makuru aiti:“Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake,uye achatonga nokusingaperi-peri.”

16. Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo uye vakanamata Mwari,

17. vachiti:“Tinokuvongai imi,Ishe Mwari Wamasimba Ose,Iye aripo uye akanga aripo,nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga.

18. Ndudzi dzakatsamwa;uye hasha dzenyu dzauya.Nguva yokutonga vakafa yasvika,neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro,uye navatsvene venyu naavo vanotya zita renyu,zvose vaduku navakuru,uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”

19. Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 11