Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.