Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 15:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba

9. kuti vaHedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavaHedheni;ndichaimbira zita renyu nziyo.”

10. Uyezve zvinonzi,“Farai imi vaHedheni, pamwe chete navanhu vake.”

11. Uyezve,“Rumbidzai Ishe, imi vaHedheni vose,uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.”

12. Uyezve, Isaya anoti,“Mudzi waJese uchatunga,iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose;vaHedheni vachava netariro maari.”

13. Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.

14. Ini pachangu ndinoziva kwazvo, hama dzangu, kuti imi pachenyu muzere nokunaka, makakwana muruzivo uye munogona kudzidzisana.

15. Ndakunyorerai nokushinga kwazvo pamusoro pezvimwe zvinhu, sendinokuyeuchidzai zvakare, nokuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari

16. kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvaHedheni, ane basa rouprista rokuparidza vhangeri raMwari, kuitira kuti vaHedheni vagova chipiriso chinogamuchirwa kuna Mwari, chakanatswa naMweya Mutsvene.

17. Naizvozvo ndinozvirumbidza muna Kristu Jesu muushumiri hwangu kuna Mwari.

18. Nokuti handingatauri zvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaitwa naKristu kubudikidza neni mukutungamirira vaHedheni kuti vateerere Mwari nokuda kwezvandakataura uye ndikaita,

19. nesimba rezviratidzo nezvishamiso, kubudikidza nesimba roMweya. Saka kubva kuJerusarema kusvika kwose kunyika yakapoteredza, kusvikira kuIrikumi, ndakaparidza kwazvo vhangeri raKristu.

20. Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu.

21. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona,uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 15