Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 11:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.

7. Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.

8. Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera uye akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.

9. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.

10. Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.

11. Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.

12. Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita soafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga uye zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.

13. Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete uye vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.

14. Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.

15. Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.

16. Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 11