Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 6:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa.

2. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.

3. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.

4. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,

5. nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.

6. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.

7. Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.

8. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.

9. Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.

10. Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

11. Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!

12. Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.

13. Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 6