Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 4:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?

10. Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!

11. Ndinotya nokuda kwenyu, zvokuti ndinenge ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.

12. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.

13. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.

14. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.

15. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai makanga maita izvozvo, maidai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.

16. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?

17. Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.

18. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.

19. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,

20. ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure inzwi rangu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.

21. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?

22. Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.

23. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 4