Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose.

2. Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake.

3. Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika.

4. Asi nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,

5. kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.

6. Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”

7. Saka hauchisiri nhapwa, asi mwanakomana; uye sezvo uri mwanakomana, Mwari akakuitawo mudyi wenhaka.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaGaratia

8. Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo.

9. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?

10. Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!

11. Ndinotya nokuda kwenyu, zvokuti ndinenge ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.

12. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.

13. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.

14. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.

15. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai makanga maita izvozvo, maidai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.

16. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?

17. Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.

18. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.

19. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,

20. ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure inzwi rangu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.

Hagari naSara

21. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?

22. Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.

23. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.

24. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.

25. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.

26. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.

27. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Fara iwe mukadzi asingabereki,asingabereki vana;iwe usingarwadziwi nokubereka;nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”

28. Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.

29. Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.

30. Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”

31. Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.