Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 2:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kuvaHedheni.

9. Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kuvaHedheni, uye ivo vaende kuvaJudha.

10. Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.

11. Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena.

12. Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya navaHedheni. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kuvaHedheni nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa.

13. Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.

14. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza vaHedheni kuti vatevere tsika dzechiJudha?

15. “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘chiHedheni’

16. uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro.

17. “Kana tichitsvaka kuti tishayirwe mhosva muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku!

18. Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 2