Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 1:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu.

21. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.

22. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!

23. Ndiri pakati pezvinhu zviviri izvi: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;

24. asi zvinokosha zvikuru kwamuri kuti ndigare mumuviri uyu.

25. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda,

26. kuitira kuti ndichinge ndinemi zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.

27. Zvisinei hazvo, mufambe henyu nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,

28. musingatyiswi nenzira ipi zvayo naavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa, uye naiye Mwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 1