Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu,Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:

2. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.

Kuvonga noKunyengetera

3. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.

4. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro

5. nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,

6. ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.

7. Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.

8. Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.

9. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,

10. kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,

11. muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.

Kusungwa kwaPauro kunofambisa vhangeri

12. Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.

13. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wose nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu.

14. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.

15. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka.

16. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri.

17. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.

18. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara.Hongu, uye ndicharamba ndichifara,

19. nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.

20. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu.

21. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.

22. Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!

23. Ndiri pakati pezvinhu zviviri izvi: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;

24. asi zvinokosha zvikuru kwamuri kuti ndigare mumuviri uyu.

25. Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda,

26. kuitira kuti ndichinge ndinemi zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.

27. Zvisinei hazvo, mufambe henyu nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,

28. musingatyiswi nenzira ipi zvayo naavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa, uye naiye Mwari.

29. Nokuti makapiwa imi nokuda kwaKristu kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake,

30. sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.