Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 7:38-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira.

39. Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aiziva kuti amubata ndiani uye kuti mukadzi uyu akaita sei, uye kuti mutadzi.”

40. Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.”Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”

41. “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.

42. Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”

43. Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.”Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”

44. Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.

45. Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.

46. Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuwira patsoka dzangu.

47. Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”

48. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”

49. Vamwe vakanga vakokwa vakatanga pakati pavo kuti, “Ndianiko anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”

50. Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 7