Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 7:35-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”

36. Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.

37. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri,

38. uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira.

39. Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aiziva kuti amubata ndiani uye kuti mukadzi uyu akaita sei, uye kuti mutadzi.”

40. Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.”Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”

41. “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.

42. Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”

43. Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.”Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 7