Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20:6-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

7. Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

8. Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

9. Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.

10. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.

11. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.

12. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

13. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

14. “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’

15. Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?

16. Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

17. Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti:“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?

18. Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”

19. Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.

20. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.

21. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.

22. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”

23. Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,

24. “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvaani?”

25. Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”

26. Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 20