Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 2:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.

26. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.

27. Iye akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,

28. Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:

29. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.

30. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,

31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,

32. chiedza chinovhenekera vaHedheniuye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”

33. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.

34. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,

35. kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 2