Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 13:17-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.

18. Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko?

19. Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.”

20. Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko?

21. Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”

22. Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema.

23. Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?”Iye akati kwavari,

24. “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.

25. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’“Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’

26. “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’

27. “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’

28. “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.

29. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari.

30. Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”

31. Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.”

32. Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’

33. Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 13