Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 20:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”

22. Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.”

23. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”

24. Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomunun'una ava.

25. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi vavaHedheni vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo.

26. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

27. uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu,

28. sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

29. Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera.

30. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge apfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

31. Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzirisa, vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 20